MOYO
MOYO MOYONDIZVO
Hekani Sahayi
Dhewa
Moyondizvo
Vakami vomukaka
Bvumavaranda
vakadzi vaChiza vomene
Dzimbahwe rerupwetepwete
Vari urozvi Nhandare
Sahayi mhondoro
Jengetanyika
Mwene wavanhu
VaChuru chamapfunde manji
VaChirisamhuru
Muzinda wen’ombe
Gorokotera
chiri mudanga
ndambachirashwa
VokwaChuma chamambo
chamachira chinosakara
Mupfudze waNyan’ombe
Chiwanzamukaka
Chipuriro chamafuta
Vachisiyandanyara
Vari Manyanga
Vane mudziunobva mabvazuva,uchinobayaRupango
Vakapera nhenda muDzimbahwe
Vachaona mudongo
vagadzi voushe
Muti unokope chirimo
zhizha uchikozhendove
Mururamanhanga
Vesviromo svitokotoko
svine nzungu inosvitsa dakataka
Dzimbahwe
Vorupazho rupwetepwete
runonama imba
Vamatakaringa hwirika
zvirume zvichiringa pasi
Dyembeu, kurima kwakona
Mutengeni wazvozvovenga
Mambo usitandavare
Kutandavara, mvura inova mubvumbi
Vazvikwechekweche
zvinonongwa nevavindukira
Asina kuvindukira anowana zvapera
zvaenda nemwando
Hekani, Nhandare
Mupfudze uri mudanga
VokwaBhasvi
VaNyoka haisvosvwi
Kuisvosva, inoruma munhu
Vedombo rakakona chimwango nemarangadya
Vamatururamvura
Ziendavachisiya
Nyamutorazvose
Nyama tinodya
Mafuta tinozora
Mukaka tinonwa
nokusevesa sadza
MOYO CHIRANDU
Mazviita Moyo,
Maita Chirandu,
Gonoren'ombe,
Mushayachirashwa,
Mukaka tinomwa,
Mafuta tichizora,
Nyama tinodya,
Ganda tichikakise ngoma,
Ndove tinodzurisa mudzimba,
Muswe tinopumhisa,
Nyanga tichiita gonan'ombe.
Maita Chirandu,
Maita Moyo,
Maita Sahi,
Maita dhewa rangu.
Maita Bvumavaranda,
Gono raMutindi naGochedza,
Vari Maronga.
Maita vana vaPfupajena,
Vari muDuma neChidumana.
Maita vari Dikitiki,
Vari Ushava,
Mushenjere wavaDuma usina pakaminama,
Pakaminama tinoorora.
Mhuri inobva Mandara,
VaMareranherera vanorera nedzavamwe,
Ndikafira pano wani,
Kudai kuenda ndichidzoka zvinoita huyo,
Chinondiona sechina meso,
Navaripowo namangwana musanyara.
MOYO SINYORO
Maita Sinyoro,
Zvaitwa Muroro,
Vagari vamachira,
VaZungu vamachira machena,
Vakauya nomumvura
Kuzoshambadza ndoro nendarira.
Kuziva zvenyu vashambadzi,
Maita vezviuya zvinenge mukaka,
Unodyiwa navasina meno,
Tatenda vadyi vamazai,
Vamupfuramagidi,
Nguo takasuka kare,
Vaeni vakauya vakatakura umambo,
Vanodya maroro vakatambarara,
Vadyi vendatsva namashongadede,
Vabvakure,
VaChitsvachirimurutsoka,
VaUsuunjenjema,
Vagere Zvinjanja,
Vene vepasi,
Vanofamba vari padara,
Vazukuru veshiri,
Ziendanomudenga,
Vane hama dzakaperera Chirozva.
Mazviita vaSena, maita Moyo,
Mutupo mukuru waierwa Dzimbahwe,
Nyama inyoro mutupo usina mupatsa,
VaChumachitete, chikobvu chinobanduka,
Aiwa zvaitwa muNjanja wakaroka.
MOYO NEMATOMBO
Maita Moyo,
Maita Nematombo,
Bvumavarandavakadzivachiza voga,
KuzivazvenyuvariUzozviNhandare,
Vomuti unokopechirimo,
Kukope zhizha unoshura ndove,
Zvaitwa mwana waMugumu,
Maita Dzimbabwe,
VaMarumbidza,
Vakarumbidza mhuri nedzisi dzavo,
Vano muti unobva Njaira,
Ukarinze matehwe achaona.
Tatenda Maseka,
Moyo yangu yiyi.
Maita vemhaswa,
Vana meso ari patiku,
Vanyokahaisvosvi,
Ukaisvosva yakuruma,
Vorupazho rutetetete
Rukobvu runoparura nguo,
Maita mwana waGumboremvura,
Mambo usitandavare,
Kutandavara kunova nomubvumbi.
Maita Shai, maitaChirandu.
Tatenda muGomo wangu yuyu,
Aiwa zvaonekwa Moyo,
Nematombo.
MOYO WAKAPIWA
Moyo Wakapiwa
Maita Wakapiwa,
Maita veGuruuswa, Chirandu,
Hekani Moyo yangu yiyi,
Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,
Vari Tanganyika, Mutakurwa,
Bvumavaranda, vauya veMhani,
Hekani Moyo, wakapiwa,
Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Vaera Moyo, vanosweroteverwa navakadzi,
Moyo Wakapiwa pasi rose.
Maita variZangaome, variMahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare.
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa.
Maita vari Chikwizu neChikura,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezvavanhu vari kuna Mucheranegombe.
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare.
Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa,
VaMunayisivemvura,
Vanotocherwa pasi kuti uvawane.
MOYO MUKUMBUZI
Moyo Mukumbuzi
Hekani Mukumbudzi,
Vaera Moyo,
Vari Zvihota,
Vanoswera kuteverwa nevakadzi
Hekani Mukumbudzi,
Madevanoruwere
Maita Mukumbudzi,
Maita veGuruuswa, Chirandu,
Hekani Moyo yangu iyi,
Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,
Vari Tanganyika,
Mutakurwa,
Bvumavaranda,
Vauya veMhani,
Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Moyo Mukumbudzi pasi rose.
Maita variZangaome, variMahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare.
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa.
Maita vari Chikwizu neChikura,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezvavanhu vari kuna Mucheranegombe.
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare.
Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa,
MOYO AKATAKWA
Moyo Akatakwa
Maita Moyo,
Akatakwa,
Chirandu chamambo,
Mwana waKuredzamuswe,
Mawire,
Dunzvi renhika,
Chiri mugore,
Chikwariwa chakabeta mwanzva wenyoka.
Maita Sahayi,
Mhumba yangu yiyi Nhandare,
Dooremhuka,
Dunzvi renhika,
Aiwa zvaitwa Mugoverwa
MOYO MUGONDERWA
Moyo Mugonderwa
Maita Moyo Mugonderwa,
Zvaitwa Varasa,
Muteve wangu yuyu,
Maita Moyo,
Chagonda,Nyamayavo,
Mauya ngei Mushayachirashwa?
Mukaka tinomwa,
Mafuta tichizora.
Maita Mugondi,
N'ombe huru,
Kuziva zvenyu Gonoren'ombe,
Aiwa zvaonekwa Moyo,
Nyamayavo.
MOYO MUSHORIWA
Moyo Mushoriwa
Ewoi Moyo, Mushoriwa,
Gono remombe,
Chiera Moyo,
Nyama yose tichidya,
Maita VaRisingagohwe,
Warida ndiye waribika,
Zvaitwa Mushoriwa,
Mhumba yomwoyo,
Isina asinayo,
Maita vari chikomo chemabwe machena,
Chidonhamukaka,
Vari Njaira,
Kumuti unokope chirimo,
Kukope zhizha unokonze ndove,
Hekani Chidonhamuto,
Vanonwa mvura yemugonera,
Inonaya chirimo,
Isingatinhire,
Kuziva zvenyu vari Mabvazuva,
Maita vari Urambe Guvira,
Chikomo chisingamere uswanemiti,
Aiwa zvaitwa Moyo,
Mushoriwa.
MOYO MUTURIKWA
Moyo Muturikwa
Maita Moyo,
Muturikwa.
Maita Nhumba,
Chirandu changu chichi.
Zvaitwa vari Nhandare,
Maita vaReve,
Tatenda vamazhumu,
MuGutsa wangu yuyu,
Vamabwe machena,
Vachipwanyamateteni.
Maita vari muna Shavanhohwe,
Moyo yangu yiyi
Maita zvenyu,
Moyo Mugona kuronga nhau
Zano renzombe
Aiwa zvaitwa Muturikwa.
MOYO SHAYAMOMBE
Moyo Shayamombe
Evoi Moyo,
Shayamombe,
Maita vari Manhize,
Kuziva zvenyu vokwaMudimuranwa,
Maita veChigara.
MaitavariChikapakapa.
Maita variChikomba.
Zvaitwa vari Man'ozhwe
Vakaumba churu nemate.
Maita Moyo yangu yiyi,
Zvaoneka Shayamombe,
Aiwa zvaitwa mwana waMurambwa.
MOYO SITHOLE
Moyo Sithole
Ewoni Sithole, Moyo,
Mombe, Wasanga,
Ganyamatope,
Mutupo watakaera tese,
Mwaita Mombe,
Mushayachiraswa,
Mutupo uri mudanga,
Tinobonga Chirandu,
Dzemudza wangu.
Mwaita wari kuna Hamudiyamwe,
Ngaone,
Tabonga vari Madzadza.
Zvigare zvakadaro,
Mhera narini,
Ngavatungamirwe
Kuti ndaramo yavo irebe,
Ndabonga nyamho.
MOYO WADYEGORA
Moyo Wadyegora
Maita Wadyegora,
Evo, Moyo, mwana waRusike,
Maita vari Dombotombo.
Kuzibva zvenyu variMazave,
Maita zvenyu vari Mandoga,
Kurere N'andu naNherera.
Maita varere Mahwemachena,
VokwaMuzarabani, vari Shangura,
Vari Chikombore, vari Dudzu,
Wadyegora wadye mangava,
Hwedza rinokudyawo,
Maita Chirandu,
Mukonde wangu yuyu,
Zvaitwa vaHombarume variNhumbe.
Aiwa zvaonekwa Moyo,
Wadyegora,
VokwaRusike,
Varere kuMatumbaarira neBinda,
Aiwa tatenda vana vaMuzarabani
MOYO MOYONDIZVO
Hekani Sahayi
Dhewa
Moyondizvo
Vakami vomukaka
Bvumavaranda
vakadzi vaChiza vomene
Dzimbahwe rerupwetepwete
Vari urozvi Nhandare
Sahayi mhondoro
Jengetanyika
Mwene wavanhu
VaChuru chamapfunde manji
VaChirisamhuru
Muzinda wen’ombe
Gorokotera
chiri mudanga
ndambachirashwa
VokwaChuma chamambo
chamachira chinosakara
Mupfudze waNyan’ombe
Chiwanzamukaka
Chipuriro chamafuta
Vachisiyandanyara
Vari Manyanga
Vane mudziunobva mabvazuva,uchinobayaRupango
Vakapera nhenda muDzimbahwe
Vachaona mudongo
vagadzi voushe
Muti unokope chirimo
zhizha uchikozhendove
Mururamanhanga
Vesviromo svitokotoko
svine nzungu inosvitsa dakataka
Dzimbahwe
Vorupazho rupwetepwete
runonama imba
Vamatakaringa hwirika
zvirume zvichiringa pasi
Dyembeu, kurima kwakona
Mutengeni wazvozvovenga
Mambo usitandavare
Kutandavara, mvura inova mubvumbi
Vazvikwechekweche
zvinonongwa nevavindukira
Asina kuvindukira anowana zvapera
zvaenda nemwando
Hekani, Nhandare
Mupfudze uri mudanga
VokwaBhasvi
VaNyoka haisvosvwi
Kuisvosva, inoruma munhu
Vedombo rakakona chimwango nemarangadya
Vamatururamvura
Ziendavachisiya
Nyamutorazvose
Nyama tinodya
Mafuta tinozora
Mukaka tinonwa
nokusevesa sadza
MOYO CHIRANDU
Mazviita Moyo,
Maita Chirandu,
Gonoren'ombe,
Mushayachirashwa,
Mukaka tinomwa,
Mafuta tichizora,
Nyama tinodya,
Ganda tichikakise ngoma,
Ndove tinodzurisa mudzimba,
Muswe tinopumhisa,
Nyanga tichiita gonan'ombe.
Maita Chirandu,
Maita Moyo,
Maita Sahi,
Maita dhewa rangu.
Maita Bvumavaranda,
Gono raMutindi naGochedza,
Vari Maronga.
Maita vana vaPfupajena,
Vari muDuma neChidumana.
Maita vari Dikitiki,
Vari Ushava,
Mushenjere wavaDuma usina pakaminama,
Pakaminama tinoorora.
Mhuri inobva Mandara,
VaMareranherera vanorera nedzavamwe,
Ndikafira pano wani,
Kudai kuenda ndichidzoka zvinoita huyo,
Chinondiona sechina meso,
Navaripowo namangwana musanyara.
MOYO SINYORO
Maita Sinyoro,
Zvaitwa Muroro,
Vagari vamachira,
VaZungu vamachira machena,
Vakauya nomumvura
Kuzoshambadza ndoro nendarira.
Kuziva zvenyu vashambadzi,
Maita vezviuya zvinenge mukaka,
Unodyiwa navasina meno,
Tatenda vadyi vamazai,
Vamupfuramagidi,
Nguo takasuka kare,
Vaeni vakauya vakatakura umambo,
Vanodya maroro vakatambarara,
Vadyi vendatsva namashongadede,
Vabvakure,
VaChitsvachirimurutsoka,
VaUsuunjenjema,
Vagere Zvinjanja,
Vene vepasi,
Vanofamba vari padara,
Vazukuru veshiri,
Ziendanomudenga,
Vane hama dzakaperera Chirozva.
Mazviita vaSena, maita Moyo,
Mutupo mukuru waierwa Dzimbahwe,
Nyama inyoro mutupo usina mupatsa,
VaChumachitete, chikobvu chinobanduka,
Aiwa zvaitwa muNjanja wakaroka.
MOYO NEMATOMBO
Maita Moyo,
Maita Nematombo,
Bvumavarandavakadzivachiza voga,
KuzivazvenyuvariUzozviNhandare,
Vomuti unokopechirimo,
Kukope zhizha unoshura ndove,
Zvaitwa mwana waMugumu,
Maita Dzimbabwe,
VaMarumbidza,
Vakarumbidza mhuri nedzisi dzavo,
Vano muti unobva Njaira,
Ukarinze matehwe achaona.
Tatenda Maseka,
Moyo yangu yiyi.
Maita vemhaswa,
Vana meso ari patiku,
Vanyokahaisvosvi,
Ukaisvosva yakuruma,
Vorupazho rutetetete
Rukobvu runoparura nguo,
Maita mwana waGumboremvura,
Mambo usitandavare,
Kutandavara kunova nomubvumbi.
Maita Shai, maitaChirandu.
Tatenda muGomo wangu yuyu,
Aiwa zvaonekwa Moyo,
Nematombo.
MOYO WAKAPIWA
Moyo Wakapiwa
Maita Wakapiwa,
Maita veGuruuswa, Chirandu,
Hekani Moyo yangu yiyi,
Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,
Vari Tanganyika, Mutakurwa,
Bvumavaranda, vauya veMhani,
Hekani Moyo, wakapiwa,
Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Vaera Moyo, vanosweroteverwa navakadzi,
Moyo Wakapiwa pasi rose.
Maita variZangaome, variMahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare.
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa.
Maita vari Chikwizu neChikura,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezvavanhu vari kuna Mucheranegombe.
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare.
Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa,
VaMunayisivemvura,
Vanotocherwa pasi kuti uvawane.
MOYO MUKUMBUZI
Moyo Mukumbuzi
Hekani Mukumbudzi,
Vaera Moyo,
Vari Zvihota,
Vanoswera kuteverwa nevakadzi
Hekani Mukumbudzi,
Madevanoruwere
Maita Mukumbudzi,
Maita veGuruuswa, Chirandu,
Hekani Moyo yangu iyi,
Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,
Vari Tanganyika,
Mutakurwa,
Bvumavaranda,
Vauya veMhani,
Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Moyo Mukumbudzi pasi rose.
Maita variZangaome, variMahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare.
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa.
Maita vari Chikwizu neChikura,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezvavanhu vari kuna Mucheranegombe.
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare.
Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa,
MOYO AKATAKWA
Moyo Akatakwa
Maita Moyo,
Akatakwa,
Chirandu chamambo,
Mwana waKuredzamuswe,
Mawire,
Dunzvi renhika,
Chiri mugore,
Chikwariwa chakabeta mwanzva wenyoka.
Maita Sahayi,
Mhumba yangu yiyi Nhandare,
Dooremhuka,
Dunzvi renhika,
Aiwa zvaitwa Mugoverwa
MOYO MUGONDERWA
Moyo Mugonderwa
Maita Moyo Mugonderwa,
Zvaitwa Varasa,
Muteve wangu yuyu,
Maita Moyo,
Chagonda,Nyamayavo,
Mauya ngei Mushayachirashwa?
Mukaka tinomwa,
Mafuta tichizora.
Maita Mugondi,
N'ombe huru,
Kuziva zvenyu Gonoren'ombe,
Aiwa zvaonekwa Moyo,
Nyamayavo.
MOYO MUSHORIWA
Moyo Mushoriwa
Ewoi Moyo, Mushoriwa,
Gono remombe,
Chiera Moyo,
Nyama yose tichidya,
Maita VaRisingagohwe,
Warida ndiye waribika,
Zvaitwa Mushoriwa,
Mhumba yomwoyo,
Isina asinayo,
Maita vari chikomo chemabwe machena,
Chidonhamukaka,
Vari Njaira,
Kumuti unokope chirimo,
Kukope zhizha unokonze ndove,
Hekani Chidonhamuto,
Vanonwa mvura yemugonera,
Inonaya chirimo,
Isingatinhire,
Kuziva zvenyu vari Mabvazuva,
Maita vari Urambe Guvira,
Chikomo chisingamere uswanemiti,
Aiwa zvaitwa Moyo,
Mushoriwa.
MOYO MUTURIKWA
Moyo Muturikwa
Maita Moyo,
Muturikwa.
Maita Nhumba,
Chirandu changu chichi.
Zvaitwa vari Nhandare,
Maita vaReve,
Tatenda vamazhumu,
MuGutsa wangu yuyu,
Vamabwe machena,
Vachipwanyamateteni.
Maita vari muna Shavanhohwe,
Moyo yangu yiyi
Maita zvenyu,
Moyo Mugona kuronga nhau
Zano renzombe
Aiwa zvaitwa Muturikwa.
MOYO SHAYAMOMBE
Moyo Shayamombe
Evoi Moyo,
Shayamombe,
Maita vari Manhize,
Kuziva zvenyu vokwaMudimuranwa,
Maita veChigara.
MaitavariChikapakapa.
Maita variChikomba.
Zvaitwa vari Man'ozhwe
Vakaumba churu nemate.
Maita Moyo yangu yiyi,
Zvaoneka Shayamombe,
Aiwa zvaitwa mwana waMurambwa.
MOYO SITHOLE
Moyo Sithole
Ewoni Sithole, Moyo,
Mombe, Wasanga,
Ganyamatope,
Mutupo watakaera tese,
Mwaita Mombe,
Mushayachiraswa,
Mutupo uri mudanga,
Tinobonga Chirandu,
Dzemudza wangu.
Mwaita wari kuna Hamudiyamwe,
Ngaone,
Tabonga vari Madzadza.
Zvigare zvakadaro,
Mhera narini,
Ngavatungamirwe
Kuti ndaramo yavo irebe,
Ndabonga nyamho.
MOYO WADYEGORA
Moyo Wadyegora
Maita Wadyegora,
Evo, Moyo, mwana waRusike,
Maita vari Dombotombo.
Kuzibva zvenyu variMazave,
Maita zvenyu vari Mandoga,
Kurere N'andu naNherera.
Maita varere Mahwemachena,
VokwaMuzarabani, vari Shangura,
Vari Chikombore, vari Dudzu,
Wadyegora wadye mangava,
Hwedza rinokudyawo,
Maita Chirandu,
Mukonde wangu yuyu,
Zvaitwa vaHombarume variNhumbe.
Aiwa zvaonekwa Moyo,
Wadyegora,
VokwaRusike,
Varere kuMatumbaarira neBinda,
Aiwa tatenda vana vaMuzarabani